Disability isn’t inability: Laizah Singadi’s Book “Akarangarirwa Pakukutu”

In her book, “Akarangarirwa Pakukutu” – a Shona Novel, Laizah Singadi reminds humankind that no one chooses to be born with a disability hence the need to treat everyone as equal.

“Everyone born with a disability should be respected. They are people like us and are only differently-abled. These people actually possess talents or gifts that the able-bodied might not have. Due to what I witnessed in as far as stigma and discrimination is concerned, I decided to put pen to paper and came up with my inaugural novel, “Akarangarirwa Pakukutu” so as to educate the masses on the need for equality despite differences in physical appearance,” Singadi said.

The talented writer pleaded with Spiked Online Media to reproduce her book verbatim for the advantage of Shona speakers who constitute the majority of the Zimbabwean population.

Below is the novel:

Chitsauko 1

“Iwe Mai Manatsa. Nyatsonditaurira kuti mwana akasiyana nevamwe wakabvepi naye. Tarira uone ndiani anoda tsvina dzakadai. Chokwadi handisati ndamboona mashura akadai. AYA NDIWO ANONZI MASHURA!” Vakapopota baba vaManatsa

Vakambotura befu ndokuti zvavo nde-e pana Manatsa, mwanasikana wavo akanga akaberekwa aine utera mumitezo yake.

Mugore ra1986 ndipo pakaberekwa Manatsa, akaberekwa aine urema. Kubva chizvariro, aigara kwaMurewa kwaMusami. Mai vake vaigara vachitambiswa chamutengure nomurume wavo zvinova zvaimushungurudza zvikuru.

Mai Manatsa: “Ko! Nhai Baba Manatsa?”

Baba Manatsa: “Ha-a! Dhemeti mhani. Haikona kunditi Bwabwa Mwanatsa. Mudzinza redu hamuna munhu wakadaro. Handinzi baba Manatsa ini, asi hauzive zita rangu kani? Kutoti Tanyanyisa zvikange nani. Uchataura zvako kuti ndiani baba vemwana uyu. Ini handizvare chigoritoto chakadai.”

Mai Manatsa: “Ko, ndochiizve chomotaura pamberi pemwana? Hamuoni kuti mavakukanganisa here? Chandakatadza chiiko nhai baba iwe-e? Chokwadi Mwari ndioneiwo. Yangu nhamo pano pasi ndeyeyi?”

Baba Manatsa: “Nhamo yako pano pasi ndeyekubereka chidzoi chako ka-a ichi. Unoti imwe ndeyei?”

Achinzwa hurukuro yababa vake namai vake Manatsa aingonoshushikana mumoyo make akamboedza kubvunza: “Ko, kuremara imhaka here? Sandivo mai vakasaka ndiberekwe ndakadai. Ko! Baba vanozviitirei chokwadi? Asi vanofunga kuti kuremara zvareva hapana chandinogona kuita kani?”

Yose iyi yakave mibvunzo isina mhinduro, iye aingove netariro yekuti zvichaita.

Tanyanyisa akakura aine utsinye. Aiti akaona munhu ane urema dzimwe nguva aitomuseka. Akambosangana nomukomana aifamba newiricheya achiedza kudzika pamateru achitya kuzokunguruka kana kudonha sezvo materu acho aive akadzama. Mukomana uya akakumbira Tanyanyisa kuti amubetsere.

Tanyanyisa akatanga kuseka kuita sebenzi ranhonga roro. Akachururuka misodzi nokuseka. Akamudadira nokuganza achiti, “Nhaiwe chikomana, unofunga kuti ndiri Tenzi wako kanhi ini. Enda unodana Mwari vako vauye kuzokudzakisa.” Apo aitaura achibhwibhwinyika kuratidza kusvotesa.

Mukomana aiva neurema uya akaedza kukumbira, “Mukoma wangu ndinokumbirawo ruyamuro rwenyu nokuti parizvino ndiri panguva yakaoma. Mukandibatsirawo ndinokupai zvose zvamunoda.”

“Ihehede uriii…. zvakaoma. Ndikati ndinoda kutengerwa motokari unonditengera here iwee.’’ Akatowedzera kuseka Tanyanyisa.

Nerimwe zuva Tanyanyisa ari kuchikoro akasangana noumwe mukomana aive akaremara zvekare. Achingonomuti ba-a, chiso chakabva chashanduka kwava kutanga kufinyamisa chiso chake, kushata kwose kuchibva kwazochibuda pachena, aitoita seaiona tsvina asi ari munhu. Sezvineiwo mukomana aive anzwa nenyota nenzara.

Nechomumwoyo aingoti deno ndikawana anondiyamura. Chiso chake chakanyevenuka achiona Tanyanyisa. Chaasina kuziva ndechokuti ainge asangana nemunhu aive nomwoyo webwe. Iye aitoti awana dziva rokuwana zvose zvaaida kuyamurwa nazvo.

“Hevo ka-a nhai hama yangu. Ufunge hako, ndafara pandakuona. Moyo wangu wabva wanyevenuka. Ndabva ndaziva kuti muyamuri ndamuwana. Pari zvino nhamo yangu ndeye nyota. Haunawo here mvura undiyamurewo nokuti nyota yandikanda kwamayereko. Pahuro pangu patooma kuti papata uye nzara yave kundibvunza mutupo. Handizive kwokuwana mvura sezvo ndisingazive kuti ndichazosangana netsime kupi. Ndokumbirawo rubatsiro shamwari yangu.” Uyu ndiTafara aitaura.

“Ihehede uriiii zvakaoma sekunamata! Iwe mwana iwe unonditi shamwari kuti takafanana here? Tarira uone ini ndine mitezo yose. Ko iwe? Makumbo wakaisepi? Nungo dzinokuuraya ukati rega ndiite mufamba nyore wokufamba wakagara. Kekekekeke’’ AkatauraTanyanyisa achibva aoma zvake nokuseka. Apa akanyatsosekera svoto chaiyo. Izvi zvakarwadza Tafara zvikuru, akatanga kufunga kana paine chaaive atadza asi akachishaya.

Tanyanyisa akabudisa chigubhu chemvura ndokumuratidza oti, “Tarira uone, mvura ndinayo iyi asi handidi nayo. Mvura yangu inonwiwa nevanhu vane mitezo yakakwana. Handipi zvigoritoto ini. Kana mbuva ndinayo zvekare asi sezvandareva, HANDIDI! Ndave kuenda ini. Famba-famba chikomana uchawana tsime.”

Tafara akati kanhaa nemashoko aTanyanyisa. Akambozvidemba kuti chaakange azviitira chinyi? Asi akangoti nechomumwoyo ‘Seka urema wafa.’

Uyuwo Tanyanyisa akafamba achienda asina kana hanya nezvaaive asiya aita. “Amai ndine nyaya yandinayo yandabva nayo kuchikoro. Ndasangana nerimwe zigoritoto ranga risina mitezo yakakwana rikandikumbira zvokudya ndikabva ndamunyima ini. Kasi vanofunga kuti isu tinongopa kani? Hazvifaniri kuzodai kani amai. Ndamuseka zvokuti kana naiye atozvionawo kuti haaa pakaipa. Izvi zvandisvota amai.”

“Zigoritoto riiko nhai zai regondo rangu.”

“Ndechimwe chimunhu chandaona chisina mitezo yakakwana.”

“Aaaah! nhai mwanangu, Ko wadarireiko. Unomboziva here kuti zvawaita izvi Mwari havazvide? Unoti deno wamupa ndipo paaizodyawo newe here? Zvawaita izvi hazvina kunaka. Chokwadi kaa teerera pose padzinorumwa dzako nzeve. Nerimwe ramazuva Mwari vachakurangawo. Dai uri umwe wachinja maitiro ako. Vakuru pavakati seka urema wafa vaiziva uye vakange vaona hupenyu kuti imhindupindu.” Vakapinndura Mai Tanyanyisa.

Zvose izvi zvaingopinda zvichibuda. Zvaitoita sezvaitorwa nemhepo. Aiisa zvitanda munzeve. Hapana kana chimwe chete chaainzwa. Aitofunga kuti aishushwa, dzamara akure Tanyanyisa haana kumboshandura moyo. Izvi zvakaita sezvaitova muropa.

Tanyanyisa raive rino rume rakayamwa rikaguta. Aiva nemhino hombe yaiita seichakaropedzera vamwe mweya wokufema. Aivawo akasimba zviri pakati nepakati, aine chiso chaive chakatsetseka sechomwana mudiki. Pose paaifamba vanhu vaisara vachimutaura pamusana peganda rake.

Sezvo akange awana basa rourairidzi, mari yokuroora haina kumunetsa. Akaroora tsvarakadenga yake, uno mudzimai mushava akareba zviri pakati nepakati. Pamusikana uyu kushanda ndipo paive pamusha. Aiita mabasa ose apamusha asinganyunyuti. Vakomana vazhinji vaimuyemura zvokuti pavakanzwa kuti aroorwa naTanyanyisa vakarwadziwa. Vamwe ndivo vaisazvitenda kuti zvaive zvedi.

Pasina nguva varoorana, mudzimai waTanyanyisa akazvitakura. Mufaro wakazara panaTanyanyisa asi aisaziva zvaive mberi.

Sezvineiwo, Mwari vanongoita zvido  zvavo. Tanyanyisa akabva atanga kurangwa nedenga. Mukukwana kwenguva mudzimai wake akasununguka katsvarakadenga kake, wanike kane urema. Izvi zvakabvarura Tanyanyisa nehasha asi akayedza kuzvishingisa ndokungonyebera mufaro wenhema.

Achiti pfacha pamusha pake, masamba akabva asiyana. Shavi riye rakabva rasvika, pakarepo akabva atanga kudya magaka mambishi. Urwu rwakabva rwava rwiyo rwemisi yose.

Hama dzaTanyanyisa padzakangonzwa runyerekupe rwokuti kwaive kwabarwa mwana ane urema, vakatoita kuungana pamba apa vachiti vatukiridze muroora uyu. Vakagara pamba apa vachiti mumwe aituka mumwe achiita zvaafungawo.

Amai vaTanyanyisa Havana kumbobvira vafarira zvose zvaiitwa nomwana wavo pamwe nehama dzavo. Zvaivadya moyo sezvo vaiziva kuti mwana wavo ndiye aive honzeri yazvose. Vaimboedza chose kutsiura mwana wavo asi vaishaya muteereri wamashoko avo. Vakazosvika pakushaika nenyaya yechirwere cheHigh Blood Pressure(BP) vakachengetwa havo. Tanyanyisa akatozosara owedzera sezvo ainge oziva kuti hakuna chaizomukanganisa.

Mwana wavo, Manatsa, akakura achishungurudzika nezvaiitwa nababa vake. Vaigaroshungurudza mudzimai wavo pamusana pomwana wavaive vakabereka. Izvi zvakaita kuti mukadzi wavo ashushikane zvakanyanya. Akambofunga kuzviuraya napamusana pemagara moyo avaigaroputitsirwa zuva nezuva.

Sezvo VaMandigona, mai vaManatsa vaiva mutendi wechiChristo kusvondo yeKirike Katorike rechiRoma, vakazobatsirwa nababa vezvomweya nevamwewo vechikuru kudzora moyo wavo. Vakazova netarisiro yokuti nerimwe ramazuva zvose zvaizonaka. Chimwe chinhu chavakabata pavaitsanangurirwa nokupangwa mazano ndechokuti Mwari vaive nechinangwa nazvo nokudaro vaiziva kuti ramangwana ravo rinenge rakadii kana vakaendesa mwana kuchikoro.

 VaMandigona vakamboedzawo kuenda kumaporofita aive munzvimbo yavo asi zvakakona n’anga murapwa achida. Vakazogamuchira vakangoti nechemumoyo “Zvandapihwa naMwari wangu ndinotora.’’ Vaida mwana wavo zvakapfurikidza.

Chitsauko 2

Nguva yekuenda kuchikoro yakasvika. Baba vaManatsa vakaramba kuti mwana wavo aende kuchikoro. Vaisatomboda kunzwa munhu anotaura nezve nyaya iyi. Vaiti vakazvinzwa vaidya magaka mambishi.

Nerimwe zuva mudzimai wavo akafunga zvekumbovanyenga mukanwa achifunga kuti zvimwe vaizobvuma asi Vakatozvidenhera mago. Vakapotserwa mabwe pakarepo, “Aaah! Iwe-e kuchikoro kwei? Handiendese chirema kuchikoro ini, apo oti mwanasikana. Handitambisi mari yangu zvakadaro. Iwe endesa chigoritoto chako ichocho wega. Deno aitozoroorwa zvaive nani ndaidyawo mari , zvino ndiani angada kuroorawo munhu akadaro. Haaaaa zvakaoma chokwadi”

Mashoko aya akashungurudza Va Mandigona zvokuti misodzi yakatanga kuyerera sedziva. Vakatanga kuzvidya moyo. Kana iyewo Manatsa aingokuvarira mukati. Zvaive zvakarema kuti ataure. Aitya kuzokudubutswa pa wheelchair sezvaaive akamboitwa apo akabatanidzirwa pairohwa amai vake. Izvi zvaigaromunetsa zuva nezuva.

Baba Manatsa vaitoita somunhu akagarwa chaiye nokuti zvimwe zvavaitaura haaaa nekudzidza kwavo zvaisaenderana. Somunhu aive murairidzi vaitofanirwa kugamuchira chimiro chaive nomwana wavo asi ivo vaisatove nebasa nazvo.

Nerimwe zuva Manatsa akagara namai vake vachitandara zvavo, akatanga kushaya kuti otanga sei karungano kake. Akambokwenya musoro kasingapere ndokuti koso koso achigadzirisa pahuro. Mushure ndokuzoti, “Nhai amai, ndinewo kanyaya kangu.” 

“Ndekeiko nhai dangwe rangu?”

“Ko-o ko-o ndichaendawo kuchikoro here sevamwe vana?” Apo aitaura achinzwisa tsitsi kwazvo achiratidza kushungurudzika zvikuru. Chiso chake chaive chakasvava, chaiita sochomunhu afirwa.

 Amai vake vakamboti koso koso, ndokutora chinguva vasati vapindura vachishushikana mupfungwa dzavo kuti vomuti kudii. Vakambotura befu. Pave paye vakazoti “Mwanangu, uchaenda kana mari yawanikwa. Izvozvi ndichambozama kuti ndodii.”

 “Ko baba vanotii nenyaya yekuti ndiende kuchikoro?”

Aingobvunza nhando hake asi aiziva kuti baba vake vaisada kuti aende kuchikoro. Amai vake vakabva vagumirwa kushaya neromuromo zvaro. Vakabva varamba vakati mwiro kunyarara kuita sezvinonzi hapana chavaive vanzwa. Misodzi yakajenga mumaziso ndiye chururu serwizi rweSave.

“Ko-o, asi hamuchataurisu kani nhai amai? Ingawani ndakubvunzai nhai amai asi hamusi kudaira.”

“Mwanangu zvakaoma, baba vako vakati havana mari yekuti uende kuchikoro. Hameno Mwari wacho! Ini ndongozviisa kunaShe. Sandini ndakazvida, zvose zvaive zvinangwa zvaiye Nyadenga. Ndichaedzawo nepose pandinogona kuti uendewo kuchikoro savamwe vana.”

“Musazvidye moyo amai zvichanaka. Jehova haarasise vana vake, kunamata ndicho chinhu chikuru. Ndinovimba kuti rimwe ramazuva, Mwari achatinzwawo.”

“Ichokwadi mwanangu deno Mwari vakatirwirawo.”

Pakarepo mai nemwana vakatanga kuyerera misodzi. Matama akaita senzizi iri misodzi.

Sezvineiwo, kuita kwaMwari kunoshamisa. Hapana munhu aifungaa kuti zvichasvika pakadaro. Amai vaive vorasa tariro yavo asi Manatsa haana kumborasa tariro, aingopira kuna Tenzi chete zuva nezuva. Baba vaManatsa vaisada kunzwa munhu anongotaura zvekusvondo pamba pavo. Manatsa namai vake vaitoita zvokubiridzira kuenda kusvondo kana baba vasipo. Baba vaManatsa vaiti vakanzwa kuti Manatsa naMai vake vaive vaenda kusvondo, musi iwoyo vaidira jecha musadza. Vaipopota pamwe nekurova mai nemwana zvose. Dzimwe nguva vaikava wiricheya yake owira pasi.

Rimwe zuva uri Muvhuro pamba pavo pakasvika rino zimotokari. Motokari iyi yaive yakanyorwa namavara makuru kuti, ‘DISABILITY DOES NOT MEAN INABILITY.’ Amai vaManatsa vachiti bamhamha motokari iyi, vakavhunduka. Sezvo vasina kuenda kuchikoro, havana kukwanisa kuverenga zvaive zvakanyorwa pamotokari iyi. Varume vatatu vaive vakapfeka mbatya dzakafanana sevaperekedzi vemuchato vakabuda mumotokari iya.

Zviso zvavo zvairatidza kuti zvaive zvevanhu vatumwa nenyaya inokosha. Vakatambirwa mune zvakanaka ndokupinda mumba yekutandarira. Vakasvikogara pamasofa aivemo ayo airatidza sekunge ekusiirwa panhaka.

“Makadii zvenyu amai?” Umwe wavarume vaye akatanga nekwaziso.

“Tiripo hedu makadiiwo?” Mai VaManatsa Vakapindura

 “Tinofara chose. Isu tabva kubato rinoona nezvevana vanorarama nehurema. Tiri kufamba mitunhu nemitunhu tichida kuona kuti vanhu vangani vanorarama vakadaro uye kuti tingavabatsire sei. Tinoda kusimudzira vanhu vakadai. Imi mabva maita rombo rakanaka nokuti mwana wenyu achange achibhadharirwa neCommunity Trust kusvikira apedza kufunda. Achange achidzidza paJairos Jiri kuBulawayo.” Akayenderera Mberi.

“Yili-li-li-li-li-li-liii, maiwee-e-e ko Mwari mandibviranepi. Kungoti pindikiti ndakatovarairwa zvangu. Inga baba maita zvenyu. Handizivi kuti ndingakutendei nei uye sei nokuti mandigonera.” Ava ndiMai Manatsa vaive vabaiwa nomufaro mukuru. Vakashaya pokubata chaipo. Vaiti vakambobata musoro, woona aikazve vabata muchiuno pakarepo ndokutanga kuimba rwiyo rwekuchechi kwavo rwekuti ‘handigoni kukutendai…’

“Unozvihwa here izvi wokubereka? Jehovha haanyadzisi! Mabva mauya neimwe nzira. Inga ndaive ndatorasa tariro. Ndaive ndofunga kuti mwana wangu uyu achakarotadza kuenda kuchikoro. Mabvi haangopfugamire nhando ndazviona.’’ Vakataura vachitendeukira kuna Manatsa

“Chokwadi amai, Mwari vazondirangarira. Mwari munoshamisa. Baba vachanyara. Saka ndinotanga riinhi kuenda kuchikoro kwacho?’’ Apa Manatsa aitaura asisina kunyatsogadzikana nemufaro mukuru. Anga akutoona akapfeka yunifomu achiteerera mudzidzisi wake.

“Aah!!! Nhai mamoyowe-e matononokerwasu nekuenda?’’

“Chokwadi tazviona kuti mwanasikana wenyu afara. Kana nemiwo tiri kuona mufaro mukuru wamuinawo. Ko baba vake varipi?”

Murume aiva mutema pana vose ndiye akabvunza achida kunyatsonzwisisa zvaitaurwa naManatsa. Mai Manatsa hapana chavakasiirira, vakanyatsotora twose ndokutupakura sezvazviri. Izvi zvakasiririsa varume vose vaive vauya. Vaviri vavo vakajenga misodzi ndokuzoita savarume kuti isabuda.

“Amai regai kuzvidya mwoyo nokuti Mwari vakupindurai.  Mwana wenyu achatanga kuenda kuchikoro kutanga kwegore rinouya. Tisu tichauya kuzomutora kana zvikoro zvave pedyo kuvhurwa.”

Musi uyu waive musi wa15 Mbudzi gore ra1994, Manatsa akange atove nemakore masere okuberekwa. Mufaro wakabva wazara pamba apa. Vanhu vaive vauya veCommunity Trust vakazodzimara kuenda baba vaManatsa vasati vasvika pamba. Vakazviona vega kuti hupenyu hwevaviri ava hwaive hwakarema zvikuru, kumeso kwamai Manatsa kwaiva kwakazvimba uye ziso ravo rekurudyi rakatsvuka nokurohwa kwavaiitwa nababa vaManatsa.

Baba vaManatsa vakasvika vakaona uri mufaro woga woga pamba pavo. Vakashamiswa kuti chinyi chaive chatora nzvimbo. Vachigara pasi vakatambidzwa zvokudya zvavo vari chinyararire. Vakadya vachingoedza kufunga asi vakashaya chavangafungire kuti ndicho chaive chatora nzvimbo. Pavakapedza kudya rechirariro ndopavakazoshinga kuti vabvunze kuti mufaro uyu wavaive wabvepi.

“Ko, nhai Mai Manatsa mufaro wamunawo nhasi kwakanaka? Hamuudzewo vamwe tigofara tese.”

Mai Manatsa vakatanga kunetseka kuti votii sezvo vaisada kudura zvaive zvaitika. Chimwe chavaizezera kuvaudza ndechokuti vaitya kuti vaizoramba kuti Manatsa aende kuchikoro.

Vakambotora chinguva vasati vapindura vachingoshushikana mupfungwa. Pave paye ndipo pavakazoti, “Hapana chamboitika baba vomwana. Kungofarawo zvako, mati tongoti undundu mazuva ose here? Tinokasiraka kuchembera, nyama dzinofanirwa kumbotambanukawo nokunyemwerera kana kumbofara.”

“Ha-a! mufaro uyu ndakapedzesera kumuona Manatsa asati avepo.”

Tanyanyisa akatanga kuzvitongesa mumoyo. Akatadza kunyatsoziva chaitora nzvimbo. Akaedza kunyengerera kana kutyisidzira asi kwaiva kuteya nzou neriva.

 Hapana akamboda kuvazivisa dzamara gore ratopera.

Chitsauko 3

Tanyanyisa akati ndee kutarisa kuwaya yekupedzisira, hana yake yakarova achiona motokari yakanzi ‘DISABILITY DOES NOT MEAN INABILITY’ yakananga pamba pake. Akati zvimwe airota, pfungwa ndokuita gakava nemibvunzo yakawanda.

“Asi pane apara mhosva kani? A-ah! Ingava iri mhosva yei? Zvino vanogodei pano? Ko ndiani avati vauye? Ko pane mutambo weyi pano? Ndianiko ambovakoka pano?”

Ukuwo VaMandigona vachinzwa kutinhira kwemotokari vakadongorera nepafafitera. “varume vaya vaireva idi nhai?”

Vakabva vadana chigondora chavo kuti chiuye chizozvionera choga. Akauya ari chamuhwiriri achimhanyisa wheelchair yake, aida kuona kuti zvii zvairehwa namai vake.

Achiona motokari iye yaive yakambouya, chiso chakabva chazara mufaro wakavirikwa. Amai vake vakatora mabhegi avaive vatorongedza kare ndokukanda mubhuti yemotokari yaive yakamira.

Mai nemwana vakazadzwa nomufaro mukuru. Zvose izvi zvaive mumaziso aTanyanyisa. Zvakamushamisa kwazvo kuti chii chaitora nzvimbo. Havana kuda kumbozeza kubvunza. Pakarepo vakabva vangoti, “Ko kwauyeiko zvomotiza musha? Ko mikwende yoendepi?” Apa chiso chaTanyanyisa change chizere ukasha hwakasangana nokukatyamara.

“Hakusi kutiza musha Baba Manatsa. Ndakazonyanya kufarisa ndikazokanganwa kukuudzai kuti Manatsa achange oenda kuchikoro. Parizvino atouya kuzotorwa.” Pavaitaura apa vaiita sevachabata denga nomufaro.

 “KUCHIKORO!”

“Hongu ave kuenda kuchikoro. Maiti anogara pano pamba kusvikira riinhi? Handiti anewo kodzerowo yake yokudzidza nevamwe vakaita saye. Muchatozomuona panopera kotoro ino.”

“Iwe, iwe ndati ari kuendepi kwete zvowotaura izvi zvisina maturo?”

“Ari kuenda kuchikoro kuJairos Jiri kuBulawayo. Manga matii?”

 “Ko kusandizivisawo sababa vomusha hanzii?”

Mumwe wavatatu vaya akatora baba Manatsa ndokuenda navo parutivi, ndokuvaudza pamwe nekuvayambira kuti vanogona kunogara mutorongo nekuda kwezvavaiita kumwana nekumudzimai wavo. Nyadzi dzakavabata vakashaya pokunyura. Vakatadza kuziva kuti zvose izvi zvakaitika riinhi.

‘Howo saka musi wavaifarisa uya ndipo pakaitika izvi? Vakamboita zvokudiiko kuti vaonane nevanhu ava? Asi vakanyora tsamba kanhi? Hameno, tichapedzerana pachaenda kaManatsa. Nhasi hapadyiwe rinopisa. Achandiudza chakatadzisa imbwa kuseka iko kunyenama ichigona. Handiti vange vachifanirwa kundishuma. Ivo ndokuti ‘kwete Tanyanyisa haaudzwe chinhu.’ Zvino zvakanaka tichaona.

Vakazofara kuti vaive vowana mukana wakanaka wokurova mudzimai wavo nemhaka yokuzvara chigoritoto. Vainyatsonzwa kuvaviwa maoko avo sezvo aive agarisa asina kumborova munhu.

Ukuwo VaMandigona vakatoputirwa nejira dema. Vaisatomboziva kuti kutsi kwegotsi kunei. Chavaivavarira chaive chazobudirira. Chokwadi sango rinopa waneta wadzungaira.

Manatsa akazoenda uri mufaro chete nokuti Nyadenga aive amunzwawo. Asizve kunyangwe hake akafara, pane zvimwe zvaimunetsa mumwoyo make. Imwe pfungwa yaimboti ‘Pamwe amai vave kumbozorodzwawo pakurohwa nokutukwa nababa’ asi imwe ndoyaiti ‘Iwe usareketa zvausingazive. Pamwe vave kutoti ndamuwanira pano chimwana chake chisipo.’

Ainge onamatira mai vake. Vavariro yake yaive yokuda kuratidza nyika zvikurusa vanhu vamunharaunda maaigara kuti urema sandiko kunzi haugoni kuita chimwe chinhu. Ndiye aizoda kuita muenzaniso munyika yose wokuita zvimwe chete nezvinoitwa nevamwe vose.

Vakasvika kuBulawayo chifumi chacho rungwanani-ngwanani achitori mashambanzou. Manatsa haana kuzvifungira sezvo aifunga kuti vaigona kutora mazuva maviri chaiwo vari mumugwagwa.

“Aah! Ndiyo Bulawayo here iyi? Ndaisambotarisira kuti ndichatsikawo guta rino. Chokwadi Mwari anoshamisa. Saka mangwana kana kutoti nhasi ndinenge ndatove nevamwewo vakaita seni.?” Zvose izvi Manatsa aingozvifunga agere zvake mumotokari,

Mukufamba kwose kwavaiita Manatsa aifara sezvo aiona nzvimbo dzaaive asati amboona kubva achizvarwa. Akaonazve mhukadzakasiyana dzaaive asati amboona dzakaita setsoko nemakudo. Ipapo Manatsa ndipo paakaona kuti nyika yeZimbabwe yakanaka zvedi. Aive asati akamboona zvose zvaaiona musi uyu.

Chitsauko 4

VaMandigona vakazosara votambe nhamo. Zuva nezuva vaidemba chavakazvarirwa. Mambama aigarorira pamuviri pavo nguva nenguva. Pamba pavo paiita sechikurubhi kwavari.

“Mai Manatsa…… Mai Manatsa haunzwe here iwe?”

“Matiiko muera moyowe-e, ndange ndisina kuzvinzwa.”

“Satani wemunhu, kutadza kunzwa kunge waenda Buruwayo. Seiko usina hunhu iwe?”

Ipapo vakasimuka pavaive vagere ndokunotora zijamhu ravo ndokuti tande vachienda muimba yokubikira uko kwaive naMai Manatsa.

“Yowe-e kani ndofa ini!!Ndofireiko nhai Mwariwe-e. Handisini ndakazvida ba-a ini. Chondofira chiiko babawe-e?”

Pakarepo shamhu dzakatanga kurira. Sezvo musi uyu yaive Svondo, vanhu vazhinji vaive vaenda kudzisvondo dzavo saka nokudaro hapana akakwanisa kunzwa mhere yaVaMandigona. Iyewo Tanyanyisa akatoita manyawi nokuda kwokuti hapana aive pedyo aizokwanisa kumudzora.

Vakarohwa kusvika vasisanzwi kuti ikozvino shamu yarova papi. Pakarepo vakatanga kufunga kuti dai vabereki vavo vaive vapenyu vaidzokera zvavo. Zvino vose vainge vakashaya apa ainge osemwa nehama napamusana pokubereka chirema. Izvi zvaigarovashungurudza zuva nezuva. Deno kuri kunzi panguva iyi vainge vorwara nechirwere cheBP, vangadai vakatofa vakasiya Manatsa asina muchengeti asi Mwari Havana kutendera.

Kwapera svondo Baba Manatsa vakafunga zano rokuita mumwe mwana vachiti zvimwe vaizoberekerwawo mwana wavaiti musvinu. Vakasvitsa shoko iri kuna adzimai wavo. Nokuda kuzorora kuiswa shamhu pamuviri, vakatenderana nazvo. Vakange vongoti, “Imi Mwari chinditungamirira.”

Pakazoperawo kotoro yokutanga amai vake vakanga vatozvitakura kare. Vaive vambozororawo kurohwa. Manatsa paakasvika kumba achiona izvi, moyo wake wakambonyevenuka. Aiziva kuti zvokutukwa nokurohwa kwaiitwa mai vake zvaive zvombozorora.

Semunhu aive neshungu nechikoro, akauya nemaresults asingasvoreke asizve baba vake havana kuita hanya nazvo sezvo vaisamufarira. Vaitoti “Ndodambudziko randakapihwawo naMwari iri. Chii ichochi? Mwari vangandiseke zvakadaro chokwadi. Kana zvakadaro ngaachindinzwirawo tsitsi.”

Aisemeswa pose paaiona Manatsa. Chiso chake chaigara chakafinyama sechomunhu anoda kurutsa. Vaibva vaita somunhu apinda muchimbuzi chakangodzorodzotwa pasi nepemadziro. Chavaisaziva ndechokuti Mwari vaive vakazviita nechinangwa.

“Manatsa mwanangu, deno Mwari vandibatsirawo. Zvimwe tingambosunungukawo pano pamusha. Ndinogaropfugama zuva nezuva nenyaya iyi.”

“Chokwadi amai. Asizve ko ini. Hamuoni here kuti baba vanozotanga kundinyomba zvakanyanya. Ndinoona sokuti vanozowedzera kupfuura zvavanondiita izvi.”

“Usazvidya moyo mwanangu. Mwari ndiye anoziva zviri mberi. Parizvino ngatimbomirai tione kuti Mwari vakatirongerei uye vachatisvitsa papi.”

“Apa mareva amai.

Mai nemwana vaingonokurukura zvavo panguva dzemasikati apo vaitonhorerwa zvavo pamumvuri wemumango. Panguva iyi vaive vombokanganwawo nhamo dzose.

Pazororo iri havana kumbonyanyotukwa kana kurohwa sezvavaigaroitwa kana kurohwa hapana akarohwa. Mufaro waivepo zvawo asi waive mushoma sezvo Tanyanyisa aiona chinhu chaaisada kuona. Panguva yokuti zvikoro zvakange zvave pedyo nokuvhurwa, Tanyanyisa akafara samare.

Pazororo Manatsa aive akapihwa basa rekuita kumba. Manatsa somunhu aigona zvizhinji aiita oga. Nerimwe zuva achinyora basa rake akasanganidzana nezvaaisaziva. Akaenda kunobvunza baba vake sezvo vaive murairidziwo asi vakaraba vachibva vatomudzinga vachimutukiridza. Izvi zvakamubata zvikuru nokuti kuti aende kuna mai vake aiziva kuti havaikwanisa kumubatsira sezvo vaive vasinawo kunyatsodzidza.A

Manatsa akange ave neshamwari, akabva asvikomurondedzera nhoroondo yake yepazororo. Aive akazadzwa nemufaro.

Shamwari yake iyi yainzi Rutendo. Aive akakurirawo mumhuri yaisamufarira pamusana pourema hwake. Aive akaremara makumbo zvokuti aisafambawo aifamba newheelchair. Rutendo aive nani nokuti aifarirwawo nehanzvadzi dzake mbiri dzaive mberi kwake pakuyaruka pamwe chete namai vake. Zvino wanguwo Manatsa aimuda ndimai vake voga. Aisemwa nevanhu vakawanda kunyangwe mudunhu maaigara.

Kubvira musi waakaenda kuchikoro akanzwa ropa rake richimhanya-mhanya nomufaro. Chaakanyanyofarira ndechokuti aive aonawo vamwe aive nemamiriro okumba akita seake, nokudaro zvaizova nyore kuti vaizopangana mazano uye kukurukura pane zvinenge zvichinetsa mukurarama kwavo.

Manatsa aigarokurudzira mumwe wake kuti vaverenge nesimba uye neshungu kuitira kuratidza nyika kuti urema hazvirevi kuti hapana chauchagona kuita. Zanowo raRutendo raive rokuteerera vakuru vose kunyangwe vasingakufarire.

Pakati paManatsa naRutendo pakabarwa ushamwari hwakasimba. Hapana aigona kutsemura ushamwari hwavo.

Manatsa aive munhu aive noushingi. Aiti kunyangwe akatadza bvunzo aisaramwa kwete asi ndipo paaibva anyatsoita shungu. Aida kuti chinangwa nezviroto zvake zvibudirire.

Rutendo aivawo nehunhu humwe chete nehwa Manatsa. Vaviri ava vainyanyo kwikwidzana muzvidzidzo zvavaiita vose. Vakambochinjwa pokugara apo varairidzi vavo vaifunga kuti zvimwe vaibatsirana pabvunzo. Vakatozoona kuti umwe noumwe ainyora pachake.

 

                       Chitsauko 5

Mwedzi wokuti VaMandigona vasununguke wakasvika. Zvokwadi wakave minamato bedzi. Hapana aiziva chaizouya asi munhu wese aingoturika maoko kuna Mwari kuti vabatsire mwanasikana wavo.

Mwari vakavanzwa nokuti vakabatsirwa zvakanaka. Pakauyazve kasikana kaive kakachena kuti mbe mbe sekamurungu. Vanhu vakashamiswa nazvo sezvo zvakange zvisiri mutarisiro yavo. Mai vake vakamupa zita rokuti Vimbai. Wakave mufaro pamba pavo, asi mufaro wababa VaManatsa waive wakashomeka nokuti vainge votofungira kuti zvimwe mwana uyu musope.

Kwapera svondo, vakazoona kuti mwana uyu aive musope. Baba vacho vakanyangadzwa kusvikira pokupedzisira. Mufaro wose wakanyungudika. Pakarepo vakaenda muimba yavairara ndokutora mbatya dzavo dzose voisa muchibheke chaive pamusoro pewadhiropu yavo. Vapedza havana kuoneka kana munhu. Vakangoita fungiramoyo rwendo rwembwa vakananga kumabhazi. Chiso chaive chakaita secheshumba yava nemazuva isingawani nyama ine munyepfu.

 Pose pavaifamba vaiita kupupira nehasha. Vaifamba vachingopopota munzira mose. Vanhu vose vaisangana nomurume uyu vaishamiswa nezvavaimuona achiita.

Ukuwo VaMandigona vainge vochema nokushungurudzika mumoyo. Panguva iyi misodzi yaierera saSave, “Chandakabarirwa chii nhai Mwariwe-e? Izvozvi ndatizwa nomurume napamusana pevana vamakandipa. Hama dzose dzakandifuratira pamusana pevana ava. Yangu mhaka ndeyeiko yasakisa zvose izvi? Chokwadi uku ndiko kunonzi kudya nhoko dzezvironda. Asi chandinoziva ndechokuti Mwari muchatonga sokuda kwenyu.”

Baba vaye havana kuzombodzoka. Mwedzi wakapera asi hapana akaziva kwaive kwaendwa. Vakabva vangoita hwebete rawira mumukaka.

Panguva yose iyi Tanyanyisa aive aenda kuHarare achiti zvimwe aizowana mumwe mukadzi aizomupawo vana vane mitezo yakakwana.

VaMandigona vakatanga kuita maricho kuti vawane sipo yemanapukeni. Sezvo vaive murimi, zvokudya hazvina kuvanetsa. Dzimwe nguva vaitengesa chibage kana nzungu kuti vawane mari yokutenga zvavanenge vachida mumba mavo.

Zvose izvi zvakaitika Manatsa ari kuchikoro. Paakadzoka pazororo akawana amai vake vachiita semunhu afirwa. Akabva aziva kuti pane chaive chaitika.  Amai vake vakamuudza zvose zvaive zvatora nzvimbo nerurimi rwakareruka. Izvi zvakaita kuti Manatsa anzwe shungu dzakanyanya.

Akabva atanga kuita zvidavado kuchikoro. Chinhu chaaigara achinyanyotaura zuva nezuva ndechokuti,” Kunyangwe ndichifamba ndiri pawheelchair, ndinoda kuita chimwe chinhu chichaita kuti vamwe vanhu vazoziva kuti urema hazvirevi kuti hapana chauchagona kuita.” Chinhu chaainyanyogona kuita kudhirohwa mifananidzo, kunyora mabhuku pamwe nemafirimu. Akatanga kuumba tarenda rake ari kuchikoro. Vadzidzisi vake ndivo vaimubetsera pamwe nokumupanga mazano kuitira kuti asarase tariro.

Amai vavo havana kumbonetseka mukurera vana vavo. Chavaivimba ndechokuti rimwe zuva zvaizonaka. Vakaendesa Vimbai kuchikoro voga. Kunyangwe hake aive musope, Vimbai ndiye aitora nhamba yokutanga kotoro yoga yoga.

Chinhu chaizomukanganisa ndechokuti aive asina magirazi okuverengesa. Vadzidzisi vepachikoro paaidzidza paMutimukuru Primary School vakaita mikando ndokuzowana mari yokumutengera magirazi.

Amai vake vakafara kwazvo pavakanzwa pamwe nokuona izvi. Vakashaya kuti vovatenda sei norudo rwakadai. Vakaita sevachabata denga sezvo vaive vaitirwa chinhu chikurusa. Pakarepo mari yechikoro akange obhadharirwa neBEAM.

Pakubarwa kwavo, Manatsa naVimbai vaive vakasiyana nemakore mapfumbamwe. Vaviri ava vainzwana zvikuru. Manatsa aigarokurudzira munun’una wake kuti ashande nesimba kuitira ramangwana ravo sezvo aida kuti rive rakajeka.

       Chitsauko 6

Manatsa akapedza zvidzidzo zvake zvose zvakanaka ndokugirajuweta. Amai vake vakafara samare, vaingoiti “Asi Mwari munoshamisa.’’

Manatsa akatanga kuchibudisa unyanzvi hwake. Ainyora nyaya dzaanenge akanzwa pamwe nokuumba nyaya dzake, kudhirohwa mifananidzo pamwe nokunyora mafirimu. Zvisinei akawana vamwewo vanyori vakaita chido chokumubatsira patarenda rake iri kuiitira kuti abudirire.

Izvi zvakazoita kuti abudiswe paterevhizhoni achikurudzira vamwe vanhu vakaita saye kuti vashande nesimba pamwe nokutaurira vanhu nhoroondo yake. Izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vanorarama nourema vazive kuti vanogona kuitawo chinhu chinoverengeka muupenyu sezvinongoitwa nemunhu wese.

Baba vaManatsa vakarohwa nehana vachiona Manatsa pachivhiti-vhiti. Vakaita somunhu aive abatwa nechikirimbani akavarairwa. Mukadzi wavo wepiri wavaive vogara naye akarohwa nehana asi akatadza kuziva chaitora nzvimbo. Akamboda kuti abvunze asi zvakaperera mukanwa. Akashaya kuti obvunza sei sezvo chiso chaTanyanyisa chairatidza kupererwa.

Pave paye akazoti, “Ko mashamiswa neiko pamanga muchiona chivhiti-vhiti?”

“Waona mwana anga achibudiswa uye here?”

“Hongu. Ndamuona.”

“Ndinomuziva, anogara kumusha kwedu. Muraini medu chaimo.”

Chavasina kutaura ndechokuti aive mwana wavo. Vaive vonyara sezvo vaive vakamutiza pamwe namai vake nomunun’una wake. Vaiti zvimwe vakatsvaga mumwe mukadzi chishuwo chavo chaizozadziswa sezvavaida.

Mukadzi wavaive vogara naye akashaya mbereko. Mukadzi uyu aisaziva kumusha kwomurume wake. Zvaive zvakarema kuti Tanyanyisa aende nomukadzi uyu kumusha sezvo kwaive navahosi vaaive akatiza kare. Ainyepera mukadzi uyu kuti aive akadzingwa pamusha nevabereki.

Vaviri ava vakange vagara vose kwemakore masere asi havana kumboita mwana. Tanyanyisa airangwa zvakanyanya napamusana pamabasa ake. Chokwadi Mwari vainge vamurangira pakukutu chaipo. Vakambogara vachiti zvimwe zvaizoita asi zvakaramba.

Mukadzi wacho akafunga zvokuenda kumaporofita kunobatsirwa sezvo vakambenge vaenda kuzvipatara zvikaramba. Tanyanyisa akaudzwa nezve zano iri asi akangoti, ‘Iwe kana uchida kuenda enda hako wozondiudza zvaunenge waudzwa ikoko.’

Paakaenda akasvikoudzwa kuti nyaya yacho yaive yakarema zvokuti yaitoda murume nomukadzi kuti vange vari pamwe chete. Vakasvikotaurwa zvavaive vataurirwa. Tanyanyisa haana kukakavara asi akangoti, “Ndazvinzwa. Tinoenda nomusi wesvondo tononzwa kuti muroyi ndiani uye kuti chii chakakonzera zvose izvi.” Chaaifunga ndechokuti pane akashereketawo hake pamusana pohupenyu hwake. Haana kuyeuko zvose zvaaiita shure.

Nemusi weSvondo murume nomukadzi vakamukirogadzirira kuenda kumasowe. Vapedza vakatora nzira yaienda kwaMadzibaba Krenlodge avo vaizivikanwa nembiri yokubatsira chaizvo. Vakaenda vakanonamata nevamwe.

Vachiri kunamata, Madzibaba Krenlodge vakasimudza Tanyanyisa ndokutanga kumuporofita nhaurwa yose youpenyu hwake. Akaudzwa kubva pakunyomba vanhu vane urema kusvikira pakutiza musha mushure mokubarwa kwomusope. Zvose izvi ndizvo zvakasakisa kuti mukadzi uyu as abate mwana.

Vanhu vose vaivepo vakashamiswa zvikuru. Wangu Tanyanyisa aive otonyanyisa kunyara sezvo mudzimai wake aivepo achinzwa mashura aya. Izvi zvakamukandisa mapfumo pasi sezvo aifunga kuti aive awana murume akamuroora zvakanaka kunyangwe hake aisaziva kumusha kwomurume wake.

Mushure mokuudzwa nhoroondo iyi, zvavakazonzi vaite zvaive zvakarema uye zvakavashungurudza. Vakaudzwa kuti vaifanirwa kudzokera kumusha vondokumbira ruregerero kumudzimai wavo wokutanga vanova Mai Manatsa nevana vavo vose pamusana pokuvaramba nokuvatiza kwavakaita. Vakazonzi vaifanirwazve kupfugama vachinamata kuti Mwari avaregerere.

Pavakadzokera kumba, murume nomukadzi vaive vasisataudzane napamusana penyaya iyi. Mukadzi aive angoti kwindi iota sechimumumu chisingagoni kutaura. Murume haana kumboita hanya nazvo sezvo aitofunganyawo kuti nyaya iyi aizoifambisa sei.

Vachisvika kumba mukadzi akatanga kurongedza mabheke ake. Akatuta zvinhu zvizhinji zvaive mumba umu. Akangosiya twumagumbeze twuviri, mapoto maviri, ndiro imwe chete, chipunu chimwechete nekapu imwechete yesimbi.  Izvi aizviitira kukaurisa Tanyanyisa. Haana kumbooneka munhu. Akangobuda oenda kumba kwavo kuDzivarasekwa uko kwaive nevabereki vake.

Tanyanyisa akazosara ave nepfungwa nendangariro pamusana pezvaive zvaitika. Hana yake yakaenda kure kure napamusana pechimiro ichi.Akanyatsoti ndee kutarisa mumba umu wanikwe maive masara musisina midziyo nokuti mukadzi aive akumba twose. Akatanga kufunga zvose zvaaiita kumashure achiri mudiki. Akatanga kuona kukanganisa kwose kwaaiita.

Chitsauko 7

Manatsa ndiye akazobhadharira munin’ina wake mari yechikoro sezvo akange ave nemari kuburikidza nokushanda kwaaiita. Akaputsisa imba yamai vake ndokuvakisa imba yakanaka zvaityisa kumaruzevha. Vanhu vazhinji vakati kanhanha nazvo sezvo zvaive zvaitwa nomunhu wavaisatarisira kuti angaite zvakadaro. Zvichipera akabva aisisa magetsi anoshandisa zuva pamba pavo.

Amai vake vakafara kusvikira pokupedzisira. Vakatenda Nyadenga nezvavaive vaitirwa nedangwe ravo zvisina mhosva kuti chimiro chake chaive chakadii. “Chokwadi uku ndokunonzi kubata kwaMwari kunoshamisa. Vanhu vaindinyomba nokundiseka vachiti ‘chigoritoto’ parizvino vave kunyara namabasa anoitwa noMusiki. Vamwe vane vana vatori nemitezo yakakwana havana kuvaendesa kuchikoro. Vamwe basa nderokuponda nokubira vanhu. Mwari wandinonamata uyu handizivi kuti ndomutenda sei nezvaandiitira izvi. Mwari ngavachiwedzera mwanasikana wangu uyu makomborero.”

Manatsa aiita zvose izvi achitenda amai vake nokutsungirira pamwe nokushingirira kwavakaita pakuvarera. Kunyangwe vanhu vaivaseka napamusana pevana vavo ava, havana kurasa tariro yavo.

“Amai, zvose izvi ndiri kuzviitira imi. Handizivi kuti ndingakuitirei zvimwe zvandinokwanisa. Ndinokutendai nokuti hamuna kurasa tariro. Maingoshinga chete kuti zvinake. Kwamakabva ndiko kachana, ikozvino mave kusvika kuye kwamaivavarira. Ndinotendazve chinun’una changu Vimbai nokushingirira kwaanoita. Nezvatiri izvi Mwari vakatiropafadza kuti tiitewo zvinoitwa neavo vasina urema.” Uyu ndiManatsa aitaura namai vake.

“Aaah!! Mwanangu, ini ndine mufaro mukuru. Ndinoziva kuti vanhu vachadzidza kubva pauri. Unofanira kudzidzisa vamwewo vakaita sewe kuti dzidzo inokosha zvisinei nechimiro chako.”

“Chokwadi amai, izvozvi ndave nomukana wokubuda pamapepa nhau nepaterevhizhoni saka nokudaro ndichaita saizvozvo.”

“Unenge wagona mwanangu. Unofanirwa kubatsirawo vamwe vako.”

“Ichokwadi amai ndichaita sokudaro. Shungu dzangu dzagara dziri pakuda kudzidzisa vanhu vazhinji kuti munhu ane urema akangofanana neasina.”

Pose pavaingonokurukura apa aive mauro vabva kudya rechirariro. Uyuwo Vimbai akange ave muimba yake yokurarira overenga. Panguva iyi akange ave mufomu yetatu. Vavariro yake yaive yokuita savakoma vake. Aishingirira pane zvose zvaaiita sokurairwa kwaaive akaitwa naManatsa.

Paakapedza kuvakira amai vake imba, akavatengera motokari yakaisvonaka yerudzi rweMistubishi. Panguva iyi ndidzo dzaive mbishi dzemotokari. Akazoitazve mabiko okupemberera zvose izvi.

Mushure akazotengawo yake imba muSabhabha reBorrowdale. Akatenga motokari yakafanana neyamai vake asi aive nemutyairi wake waaibhadhara pamwe newamai vake kusvikira pavaive vogona kutyaira. Motokari dzose idzi dzaive dzerwudzi rwumwe uye dzose dzaive dzegoridhe.

Zvose izvi zvakashamisa vanhu vazhinji. Kune vose vaiti munhu ane mitezo isina kukwana haabudirire vakazoona kuti zvavaifunga manyepo. Vaisatarisira zvakadaro kubva kumunhu aneurema. Chavasina kuziva ndechokuti munhu anorarama nourema munhuwo panevamwe.

Panguva yose iyi aingonoronga muchato wake. Chivimbo chake chaive chokuratidza vamwe vakaita saiye kuti vanokwanisa kuzviitawo.

Sezvo munhu mutema asinganeti kutaura, kamwe kakadzi kaigara muraini mavaigara kakatanga kuvanyeya. Kaitaura twakawanda wanda pamusoro paManatsa namai vake. Kakadzi aka kaitaura kuti ‘Munoti vaizorega kuita mari here ivo mai vacho vakaenda kun’anga kunopuhwa mushonga wokushandisa kuti vaite mari. Vave kuda kutishainira nemotokari dzokuromba idzo.’ Pakarepo vaibva varidza tsamwa vachiratidza kusvotwa zvakanyanya.

Kakadzi kaitaura izvi kainzi Madimbu. Kaive kapfupi-pfupi kari katsvuku pachiso asi moyo wavo waive wakarema sesimbi. Vaive nomoyo mukukutu kwazvo. Chainyanyovarwadza ndechokuti dangwe ravo aive mbavha yaive yarura dunhu rose asi aive munhu musvinu ane mitezo yakakwana.

Amai vaManatsa vaigaronyeiwa kasingaperi mudunhu mavaigara. Chaisaziva vanhu ndechokuti ose aya aive mabasa okushanda nesimba kwaive kwakaita Manatsa kubva achiri kuchikoro.

Chitsauko 8

Ukuwo baba vaManatsa vakazosara voshungurudzika. Zvoti mukadzi aive aenda uye vaive vaudzwa tsoro yavo yose pamberi pake. Vaive voronga zvokudzokera kunaVahosi vavaive vakambotiza sezvo vakanga vasara vava tsuro yomubhuku vasisina chavaive nacho.Zvose izvi zvakavashungurudza kusvikira pokupedzesera.Vakazosara vave sekatsanga kari mumvura nokupera muviri pamusana pepfungwa nendangariro kuti vaizoifambisa sei nyaya yavo.

Vakazotanga kufunga zvose zvavaisigaroudzwa nevamwe vavo vavaishanda navo. Pavakasvika muHarare vakabva vangoitawo mhanza ndokuwana basa pachikoro cheWarren Park Primary apo aifundisa vana vegwaro retatu. Mukusvika kwaakaita pachikoro apa achitanga basa akasangana nemumwewo mudzidzisi ainzi VaNyahuni. Akavatsanangurira nhau yake yose. VaNyahuni vakamboedza kumudzereredza vachimuudza kui anofanirwa kutenda Nyadenga nevana vaakapihwa nokuti nerimwe ramazuva vaizomuchengeta. Munhu wacho wavaiudza aive nemusoro unopisa kunge simbi yaiswa pachitofu. Aive nohunhu hwekuzviti ndini ndinoziva zvose saka naizvozvo vaisateerera zvavaiudzwa. Vakazotanga kuzvidemba nokuzvitukirira pamusana pohunhu hwavo. Vakaona kuti zvedi Mwari vanotonga sokuda kwavo.

Ukaona murume mukuru obongomora woziva kuti zvaoma. Vakange vongogara misodzi iri pamatama. Mufaro wose wakanyungudika sesipo yaiswa mumvura. Kwakave kuzvidemba nakuzvidemba asizve dai ndakaziva haitungamiri.

Vakazonyatsoisa pfungwa pasi ndokufunga zvokudzokera kwavakatiza. Mumwe moyo waiti, “Ko ndikavashaya ndinotangirepi zvandave tsuro yomubhuku kudai.’’ Umwewo ndokuti, “Chauya chauya zviri nani kuti ndirovere moyo padombo ndiende.”

Vakazvipa vhiki rimwe chete rokutsvaga mari yokuendesa. Mushure vakaiwana ndokurongedza twavo. Mumba macho makange musisina chaivemo sezvo zvinhu zvizhinji zvaive zvakatutwa nomukadzi uye aive akaenda. Vakangotorawo zvavaive vasiirwa ndokurongedza mumabhegi avo.

Chifumi vakamukira rungwanani ngwanani kuenda kumabhazi. Vakakwira bhazi nenguva dzenhanhatu. Bhazi ravakakwira raimhanya zvaityisa. Vamwe vakatoburukira munzira vasati vasvika kwavaienda vachitya kuzozumana netsaona. Tanyanyisa semunhu aimhanyirawo kwake, zvose izvi hazvina kupinda mupfungwa dzake.

Mafuta akaiswa pa160km/hr apo bhazi raive rokwira pamatero. Bhazi rakatanga kuzvongonyoka vanhu vose vakaiti mhere kwetsu. Hupenyu hwakange hwotodeuka apo vamwe vaienda kunoona hama neshamwari kumusha vamwewo ndovaienda kunhamo. Vanhu vose vakabatwa nokutya kukuru. Waingonzwa, “Yowe-e maiwe topera pano kani.” Mutyairi akabva atadza kubata mabhureki. Chaakaona ndechokuti pake paive pamuperera napamusana pezvainge zvoitika.

Bhazi rakasvikowira paive nemiti mitatu yaive yakabatana ndokukunguruka pamudzikiswa waivepo. Vanhu vazhinji vaive mubhazi umu vakabva vafira ipapo. Mubhazi umu munhu asina kuparara ndiTanyanyisa. Vamwe ndovaityoka mitsipa zvoti musoro kwawo, mutumbi kwawo.

Vamwe vakagaika kuita mafufu- mafufu. Vamwe vaityoka makumbo. Chokwadi tsaona iyi yakakandisa vanhu mapfumo pasi. Bhazi riye rakafonyoka-fonyoka. Mapurisa akanetseka pakutora vanhu. Pokutanga vakambofunga kuti zvimwe tsaona iyi yaive yauraya vanhu vose vaive mubhazi umu, asi pavakange vobudisa vanhu vakazonzwa mhere yaibva nechopakati iine izwi rechirume. Sezvo mapurisa ajaira basa rawo, havana kutya kana kuvhunduka nezvavaiona izvi. Vakaenda kunoyamura munhu uye aichema. Makumbo ake aive atotyoka ave kwawo asi mutumbi wakaramba wakadaro.

Motokari dzemapurisa dzinotakura zvitunha dzakaita chamuhwiriri kumhanya kuenda kwaive kwaitika tsaona iyi. Pakangouya ambulance imwe chete sezvo ari munhu mumwe chete aive ararama.

Vachizviona Baba Manatsa, vakatanga kuzvinzwira tsitsi. Vakabva vadzidza kuti ‘Seka urema wafa’ itsumo inoreva zvokwadi. Pose apa vaingofunga kuti kutamba asi vakazozvidemba. Hana yavo yakati bamu kurova. Vakademba chavainge vasiiwa voga vasina kufa. Mwari aive nechinangwa nazvo. Vakambofunga kuzvidzipa asi zvakaramba. Vakatorwa neamburenzi voendeswa kuchipatara. Sezvo tsaona iyi yakaitikira paBhora, chipatara chaitove pedyo ndecheMusami Hospital nokudaro ndipo pavakaendeswa.

Tsaona iyi yakashambadzwa mumaredhiyo, mapepenhau pamwe nemumaterevhizhoni. Izvi zvakaitirwa kuti vose vaive varasikirwa nehama dzavo vaizonodzitora kumortuary yepaMusami Hospital. Tsaona iyi yakauraya vanhu makumi matatu nevanomwe, mumwe chete ndiye oga akararama.

Manatsa paakazvinzwa haana kupindwa nomoyo wokutsiva. Akaudza amai vake. Nokuda kwokurwadziswa kwavakambenge vaitwa makore ose aive apfuura, havana kuda kubvumirana nomwana wavo. Dangwe ravo ndiro rakazovanyengerera dzamara vawirirana.

Vakazoenda kunovaona wave mugovera mushure memazuva maviri tsaona iyi yaitika. Baba Manatsa pavakati ba-a kuona Manatsa naVimbai, misodzi yavo yakatanga kuchururuka sedhamu reKariba. Vana vakabva vatangawo kunzwira baba vavo tsitsi pamwe nokuchema zvakare. Uyuwo Vimbai ndiko kaive kokutanga kuona baba vake pamwe nokuvaziva.

Pakarepo Tanyanyisa akatanga kukumbira ruregerero, “Manatsa, Vimbai naadzimai, ndinourombo nazvose zvandakakutadzirai. Chokwadi ‘chisi kachieri musi wacharimwa.’ Ndaitsvinya ndikaona munhu anofamba newheelchair kana vose vane urema hwakasiyana-siyana. Ndainyombazve vasope. Ndaivaona sevasiri chinhu muupenyu. Mwari akabva andirangira pakukutu. Akandipa vana vakadaro, ndokuti hazvisati zvakwana sezvo ndakavaramba achibva andiitawo chirema. Chokwadi ndazoziva kuti hupenyu hunoshanduka. Ndaimbotsvinyira vamwe asi ikozvino ndane chimiro chakadero. Ndave kuda kudzidzisa vamwe vanoita hunhu sehwandaiita kuti hazviitwe uye musiki anokurangira pakuru. NDINOKUMBIRAWO RUREGERERO PANE ZVOSE ZVANDAKAKUTADZIRAI.”

Amai nevana vakabva vavanzwira tsitsi ndokuvaregerera. Vachinzwa izvi Baba Manatsa, hana yavo yakabva yapombonoka.

Pakarepo misodzi yakatanga kuyerera, ziya rikati tingasarirewo kuzoti madzihwa, haiwa-a hatichatotauri. Vakabva vataurira mhuri yavo mafambiro avaive vakaita kubvira musi wavakatiza, kwavakaenda uye nezvakaitika zvose. Vakataurazve chakazoita kuti vadzoke kumusha apo panova ndipo pavakazoita tsaona.

Musi wavakazobudiswa muchipatara vakatorwa naManatsa. Zvisinei nokuti Manatsa aive nourema, aive otyaira motokari oga. Vachisvika pamba, Tanyanyisa akashamiswa kwazvo. Akamboti, “Aah! Iwe, ko wave kundiendesa kupiko?” Manatsa haana kuvapindura asi akangoseka. Nechomumoyo vakabva vaziva kuti mwana wavo ndiye aive aita zvose zvavaiona zvaive zvashanduka. Vakanyara vachiona mabasa aive aitwa naManatsa uyo wavaiti chigoritoto.

Kunyangwe pavaive kuHarare, hupenyu hwavakararama vadzokera kumusha havana kumbourarama. Vakabva vaona hukuru hwaMwari nemabasa ake avanoita kune avo vanomuda, vanomunamata uye vanomukudza.

Kunyangwe zvazvo Manatsa airarama nourema, akawana mukomana aitoda kumuroora zvisinei nechimiro chake. Vakaroorana asizve sezvo murume wacho aive chiremba aive nemari, vakaronga zvokutorana nomuchato. —— MAGUMO